Content-Length: 103839 | pFad | https://sn.wikipedia.org/wiki/Machende

Machende - Wikipedia Svetuka kuchirochemo

Machende

Kubva Wikipedia

Jende datira kana dati - machende (muruzhinji), masvada. inhengo yemurume inowanikwa pasi pemboro pakati pemakumbo yakarembera. Machende anongogara ari maviri; vamwe vatauri vanoti matsukwe.

Machende ndiwo anogadzira hurume. Kana pasina machende munhu kana mhuka haikwanise kuberekesa.

Machende ndiwo aya anonzi muchirungu ma testicles; uye maari ndimo munogadzirwa mbeu yehubaba, unonzi uronyo kana kuti maronyo, kudzimwe nzvimbo vanoti urete. Machende anozivikanwawo nezita rekuti makandi asi vamwe vanowanzomati matomatisi kana kuti mabhora. Murume umwe neumwe unenge ane machende maviri, asi kune varume vashoma vane jende rimwe.

Machende anogadzirawo chidenhi chinonzi testosterone chinodenha kuyaruka kwemukomana kuti ave nechimiro chemurume.

Svada (scrotum) zvinoreva chihomwe chinoonekwa kunze chinotakura nhengo iyoyi yehurume.

Kana jende risiri muhutano, rakurisa zvisina tsarukano rinonzi Jendekufa (Hydrocele) jende guru kudaro rinorapwa naana chiremba kuchipatara nekubisa humvura hunenge hwazara mu masvada. Kana ukaita rimwe hombe kamwe kari kadiki unonzi une jendekufa zvakare. Adolf Hitler aiva naro jendekufa.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

..









ApplySandwichStrip

pFad - (p)hone/(F)rame/(a)nonymizer/(d)eclutterfier!      Saves Data!


--- a PPN by Garber Painting Akron. With Image Size Reduction included!

Fetched URL: https://sn.wikipedia.org/wiki/Machende

Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy